Nzwara
Mataridziko
![](https://cdn.statically.io/img/upload.wikimedia.org/wikipedia/commons/thumb/5/55/Kuku_manusia_normal.jpg/220px-Kuku_manusia_normal.jpg)
![](https://cdn.statically.io/img/upload.wikimedia.org/wikipedia/commons/thumb/9/9a/Nail_Painting.jpg/220px-Nail_Painting.jpg)
![](https://cdn.statically.io/img/upload.wikimedia.org/wikipedia/commons/thumb/6/6d/Liquid_Sand_nail_polish_%282%29.jpg/220px-Liquid_Sand_nail_polish_%282%29.jpg)
Nzwara (ku Chingezi: nail; nails) kana nzara i nhengo inowanikwa kunoperera zvigunwe nechepamusoro, uye nhengo iyi inoramba ichikura nguva dzose nyangwe munhu achembera. Nzwara dzinowanikwa ku (zvigunwe zve) tsoka zvose nemaoko.
Zita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
Iro zita rekuti nzara ngarisa sanganiswe nenzara (kana zhara) yemunhu paanenge asati arya.
Mitauro ye Chibantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
- VaGungu vanoti luzala kana nzala (n. finger nail, toe nail) kureva nzara. VaBemba vanoti lwala (n. fingernail, toe nail) zvichireva nzara.
- Kirundi vanoti urwara (fingernail, toenail, claw) kureva nzara. Kimbundu vanoti kiala (nail, fingernail, toenail) kureva nzara.
- Shambala vanoti kombe kana makombe pakuwanda (n. nail) kureva nzara.
- VaSango vanoti nzana kana nzené (n. a fingernail, a claw) kureva nzara.